Luke 6

Ishe weSabata

1Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho. 2Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?”

3Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake? 4Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.” 5Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”

6Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. 7VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. 8Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.

9Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”

10Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka. 11Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.

Vapostori Gumi naVaviri

12Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari. 13Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:

14Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro),
mununʼuna wake Andirea,
Jakobho,
Johani,
Firipi,
Bhatoromeo,
15Mateo,
Tomasi,
Jakobho mwanakomana waArifeasi,
Simoni ainzi muZeroti,
16Judhasi mwanakomana waJakobho,
naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.

Maropafadzo neNhamo

17Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye navanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni, 18vakanga vauya kuzomunzwa uyewo kuti vazoporeswa pazvirwere zvavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa, 19uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose.

20Akatarira kuvadzidzi vake, akati:

“Makaropafadzwa imi varombo,
nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
21Makaropafadzwa imi vane nzara zvino,
nokuti muchaguta.
Makaropafadzwa imi munochema zvino,
nokuti muchaseka.
22Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai,
vachikutsaurai uye vachikutukai,
vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu.
23“Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.

24“Asi mune nhamo imi vapfumi,
nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.
25Mune nhamo imi makaguta zvino,
nokuti muchanzwa nzara.
Mune nhamo imi vanoseka zvino,
nokuti muchaungudza uye muchachema.
26Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu,
nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.

Idai vavengi venyu

27“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, 28ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai. 29Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati. 30Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke. 31Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.

32“Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada. 33Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo. 34Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana. 35Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa. 36Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.

Kutonga vamwe

37“Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo. 38Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”

39Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here? 40Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.

41“Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako? 42Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako.

Muti nomuchero wawo

43“Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka. 44Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato. 45Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

46“Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva? 47Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita. 48Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka. 49Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”

Copyright information for SnaBDSC